Psalms 129

Rwiyo rworwendo.

1Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu,
Israeri ngaati,
2“Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu,
asi havana kundikunda.
3Varimi vakarima musana wangu
vakaita miforo yavo mirefu.”
4Asi Jehovha akarurama,
akandisunungura pamabote avakaipa.

5Vose vanovenga Zioni
ngavadzorerwe shure nenyadzi.
6Ngavaite souswa pamusoro pedenga remba,
hunooma husati hwakura;
7mukohwi haangazadzi maoko ake nahwo,
uye anounganidza haangazadzi maoko ake.
8Vanopfuura nepo ngavarege kuti,
“Maropafadzo aJehovha ngaave pamusoro pako;
tinokuropafadza muzita raJehovha.”
Copyright information for SnaBDSC